14 Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani.
15 Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko.
16 Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu.
17 Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo).
18 Ipapo Merekizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro,
19 uye akaropafadza Abhurama, achiti,“Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi.
20 Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe, akaisa vavengi vako muruoko rwako.”Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose.