10 Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina.
11 Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe.
12 (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.)
13 Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia.
14 Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15 Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta.
16 Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu;