3 Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita.
4 Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa.Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga,
5 uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika,
6 asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose,
7 Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
8 Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo.
9 Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.