1 Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura.
2 Iye akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.
3 Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi.
4 Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura.
5 Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka.
6 Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.