1 Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.”
2 Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga.
3 Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.”
4 Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake.
5 Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni.