1 Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri.
2 Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure.
3 Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake.
4 Asi Esau akamhanya kundosangana naye uye akamumbundikira mumutsipa namaoko ake uye akamutsvoda. Uye vakachema.
5 Ipapo Esau akasimudza meso ake akaona madzimai navana. Akamubvunza akati, “Ndivanaaniko ava vaunavo?” Jakobho akapindura akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari.”
6 Ipapo varandakadzi navana vavo vakaswedera uye vakakotama pasi.