12 Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.”
13 Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori.
14 Vakati kwaari, “Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadzo kwatiri ichocho.
15 Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose.
16 Ipapo tichakupai vanasikana vedu uye tigozvitorerawo vanasikana venyu. Tichagara pakati penyu tigova vanhu vamwe nemi.
17 Asi kana musingadi kudzingiswa, isu tichatora hanzvadzi yedu tigoenda.”
18 Kutaura kwavo kwainge kwakanaka kuna Hamori nomwanakomana wake Shekemu.