19 Saka Rakeri akafa akavigwa munzira yaienda kuEfurati (ndiro Bheterehema).
20 Pamusoro peguva rake Jakobho akaisa mbiru, uye kusvikira zuva ranhasi mbiru iyi inoratidza guva raRakeri.
21 Israeri akapfuurira mberi zvakare akandodzika tende rake seri kweMigidhari Edheri.
22 Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri:
23 Vanakomana vaRea vaiti: Rubheni dangwe raJakobho, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni.
24 Vanakomana vaRakeri vaiva: Josefa naBenjamini.
25 Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari.