3 Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka aritari yaMwari, iye akandipindura pazuva rokutambudzika kwangu uye iye akanga aneni kwose kwandakaenda.”
4 Saka vakapa Jakobho vamwari vavatorwa vose vavaiva navo uye nemhete dzaiva munzeve dzavo, uye Jakobho akazvifusira pasi pomuouki weShekemu.
5 Ipapo vakasimuka, uye kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera.
6 Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani.
7 Akavaka aritari ipapo, uye akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.
8 Zvino Dhebhora, mureri waRabheka, akafa uye akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti.
9 Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza.