33 Bhera akati afa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
34 Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.
35 Hushani akati afa, Kadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.
36 Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
37 Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.
38 Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
39 Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhari akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMeZahabhi.