24 uye vakamutora vakamukanda mutsime. Zvino tsime rakanga rapwa risina mvura.
25 Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti.
26 Judha akati kuhama dzake, “Tichawaneiko kana tikauraya munun'una wedu uye tikafushira ropa rake?
27 Uyai, ngatimutengesei kuvaIshumaeri ava uye tirege kutambanudza maoko edu paari; pamusoro pezvo iye munun'una wedu, nyama yedu neropa redu.” Madzikoma ake akatenderana.
28 Saka vashambadziri veMidhiani vakati vasvika, madzikoma ake akabudisa Josefa kubva mutsime vakamutengesa kuvaIshumaeri namashekeri makumi maviria esirivha, ivo vakaenda naye kuIjipiti.
29 Rubheni paakadzokera kutsime uye akawana Josefa asisimo akabvarura nguo dzake.
30 Akadzokerazve kuvanun'una vake akati, “Mukomana haasisimo! Zvino ndichaendepiko?”