2 Ikoko Judha akasangana nomwanasikana womumwe murume muKenani ainzi Shua. Akamuwana uye akavata naye;
3 akava nemimba akabereka mwanakomana, zita rake rainzi Eri.
4 Akaitazve imwe mimba akabereka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Onani.
5 Akabereka mumwezve mwanakomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akamuberekera kuKezibhi.
6 Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi, uye zita rake ainzi Tamari.
7 Asi Eri, dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akamuuraya.
8 Ipapo Judha akati kuna Onani, “Vata nomukadzi womukoma wako uye umuitire zvawakafanira kuita kwaari somunun'una, kuti uberekere mukoma wako vana.”