3 Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha.
4 Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake,
5 asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana.
6 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana?
7 Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakavandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”
8 Zvino Kaini akati kumunun'una wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa munun'una wake Abheri akamuuraya.
9 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko munun'una wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womunun'una wangu here?”