7 Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakavandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”
8 Zvino Kaini akati kumunun'una wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa munun'una wake Abheri akamuuraya.
9 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko munun'una wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womunun'una wangu here?”
10 Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romunun'una wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu.
11 Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romunun'una wako kubva paruoko rwako.
12 Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”
13 Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura.