24 Hura dziya dzakaonda dzakamedza dziya hura nomwe dzakanga dzakanaka. Ndakaudza n'anga izvi, asi hakuna akagona kunditsanangurira.”
25 Ipapo Josefa akati kuna Faro, “Kurota kwaFaro ndokumwe uye kwakafanana. Mwari akaratidza kuna Faro zvinhu zvaava kuda kuita.
26 Mhou nomwe dzakanaka ndiwo makore manomwe, uye hura nomwe dzakanaka dzezviyo ndiwo makore manomwe amaguta; kurota uku kumwe chete uye kwakafanana.
27 Mhou nomwe dzakaonda uye dzakashata dzakakwira pashure, ndiwo makore manomwe, ndizvowo nehura nomwe dzezviyo dzisingabatsiri dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva; ndiwo makore manomwe enzara.
28 “Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita.
29 Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti,
30 asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika.