1 Zvino nzara yakanga ichakanyanya munyika.
2 Saka vakati vadya zviyo zvose zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti, baba vavo vakati kwavari, “Dzokerai mundotitengera zvimwe zvokudya.”
3 Asi Judha akati kwavari, “Murume uya akatiyambira kwazvo akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge munun'una wenyu auya nemi.’
4 Kana mukaendesa munun'una wedu nesu, tichaenda kundokutengerai zvokudya.
5 Asi kana mukasamuendesa, hatingatongoendi, nokuti murume uya akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge munun'una wenyu auya nemi.’ ”