8 “Saka zvino, hamuzimi makandituma kuno, asi Mwari. Iye akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose.
9 Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka.
10 Muchandogara munyika yeGosheni uye muve pedyo neni, imi, vana venyu navazukuru venyu, zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu nezvose zvamunazvo.
11 Ndichakuriritirai ikoko, nokuti mamwe makore mashanu enzara ari kuuya. Kana zvikasadaro imi neveimba yenyu navose vamunavo mungazova varombo.’
12 “Muri kuzvionera pachenyu, uye kana munun'una wangu uyu Bhenjamini, kuti ndini chaiye ari kutaura nemi.
13 Muudze baba vangu pamusoro pokukudzwa kwangu muIjipiti uye napamusoro pezvinhu zvose zvamaona. Uye muuye nababa vangu kuno nokukurumidza.”
14 Ipapo akawira pamutsipa womunun'una wake Bhenjamini uye akachema, uye Bhenjamini akamumbundikirawo achichema.