1 Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.”
2 Akasarudza vashanu pamadzikoma ake akavaendesa pamberi paFaro.
3 Faro akabvunza madzikoma aJosefa akati, “Basa renyu ndereiko?” Ivo vakapindura Faro vakati, “Varanda venyu vafudzi, sezvakanga zvakangoita madzibaba edu.”
4 Vakatizve kwaari, “Tauya kuzogara kuno kwechinguva, nokuti nzara yakanyanya muKenani uye zvipfuwo zvavaranda venyu hazvisisina mafuro. Saka zvino, tapota regai varanda venyu vagare muGosheni.”
5 Faro akati kuna Josefa, “Baba vako namadzikoma ako vauya kwauri,
6 uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakaisvonaka yenyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.”