16 Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.”
17 Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.”
18 Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.)
19 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika.
20 Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa.
21 Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake.
22 Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza vanun'una vake vaiva panze.