1 Tumirai mutero wamakawana kumubati wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni.
2 Kufanana neshiri yadzungaira ichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni.
3 “Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri.
4 Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.”Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika.
5 Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama.
6 Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.