1 Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.
2 “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, munun'una acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo.
3 VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.
4 Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
5 Mvura yomurwizi ichapwa, uye mahombekombe erwizi achapwa nokuoma.
6 Migero ichanhuhwa; hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa. Shanga nenhokwe dzichauna,