7 uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi, pamuromo werwizi. Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma, mbesa dzichapepereswa nemhepo, hazvingazovapozve.
8 Vabati vehove vachagomera nokurira, vose vanokanda zviredzo muna Nairi; vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.
9 Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.
10 Vanobata nemicheka vachaora mwoyo, uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.
11 Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?”
12 Zvino vakachenjera venyu varipiko? Ngavakuratidzei uye vakuzivisei zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro peIjipiti.
13 Machinda eZoani ava mapenzi, vatungamiri veMemufisi vanyengerwa; mabwe ekona amarudzi avo atsausa Ijipiti.