9 Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.
10 Vanobata nemicheka vachaora mwoyo, uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.
11 Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?”
12 Zvino vakachenjera venyu varipiko? Ngavakuratidzei uye vakuzivisei zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro peIjipiti.
13 Machinda eZoani ava mapenzi, vatungamiri veMemufisi vanyengerwa; mabwe ekona amarudzi avo atsausa Ijipiti.
14 Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu; vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita, sezvinoita chidhakwa chinodzedzereka mumarutsi acho.
15 Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe, davi romuchindwe kana rushanga.