3 Ipapo Jehovha akati, “Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina nguo, uye asina shangu kwamakore matatu, sechiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neEtiopia,
4 saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti, navakadzingwa veEtiopia, vadiki navakuru, uye magaro ari panze, kuti chive chinyadzo kuIjipiti.
5 Avo vaivimba neEtiopia uye vaizvikudza neIjipiti vachatya uye vachanyadziswa.
6 Pazuva iro, vanhu vaigara pamhenderekedzo ino vachati, ‘Tarirai zvaitika kuna vaya vataivimba navo, vaya vataitizira kwavari kuti vatibatsire uye vatinunure kubva kuna mambo weAsiria! Zvino isu tichapunyuka sei?’ ”