4 Mwoyo wangu woziya, kutya kwondidederesa; rubvunzavaeni rwandaishuva rwava chinyangadzo kwandiri.
5 Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zadzai nhoo!
6 Zvanzi naIshe kwandiri, “Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona.
7 Kana achiona ngoro namapoka amabhiza, navatasvi vari pamusoro pembongoro kana vatasvi vari pamusoro pengamera, ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”
8 Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti, “Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro penharire; usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.
9 Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro neboka ramabhiza. Uye anopa mhinduro achiti, ‘Bhabhironi rawa, rawa! Zvifananidzo zvose zvavamwari varo zvaputsirwa pasi!’ ”
10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro, ndinokuudzai zvandanzwa kuna Jehovha Wamasimba Ose, kuna Mwari waIsraeri.