3 Pamusoro pemvura zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa; mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire, uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi.
4 Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”
5 Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.
6 Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.
7 Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure?
8 Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vanokudzwa munyika?
9 Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza nembiri yose, uye kuti aninipise vose vanokudzwa panyika.