1 Pazuva iro,Jehovha acharanga nomunondo wake, iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa, Revhiatani nyoka inokurumidza, Revhiatani nyoka inogonyana; achauraya chikara chomugungwa.
2 Pazuva iro,“Imbai nezvomuzambiringa unobereka:
3 Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa.
4 Handina kutsamwa Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa neni! Ndaienda kundorwa nazvo; ndaizvipisa zvose nomoto.
5 Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri; ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.”
6 Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi, Israeri achabukira uye achatunga maruva, agozadza nyika yose nomuchero,
7 Ko, Jehovha akamurova here sezvaanorova avo vakamurova? Akaurayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya?