26 Nokuti Mwari wake anomurairidza nokumudzidzisa nzira yakanaka.
27 Karawe haipurwi nechireyi, uye vhiri rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; karawe inopurwa nemhuro uye kumini inopurwa norumuti.
28 Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa; saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi. Kunyange achifambisa mavhiri engoro yake yokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi.
29 Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose, anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.