9 Katyamarai uye mushamiswe, zvipofumadzei muve vasingaoni; dhakwai asi kwete newaini; dzedzerekai asi kwete nedoro.
10 Jehovha akauyisa pamusoro penyu hope huru; Akafukidza meso enyu vaprofita; akafukidza misoro yenyu, vaoni.
11 Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.”
12 Kana kuti mukapa rugwaro kuno mumwe asingagoni kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handigoni kuverenga.”
13 Ishe anoti:“Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo, uye vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete.
14 Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare nechishamiso pamusoro pechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera huchaparadzwa, zivo yavane zivo ichapera.”
15 Vane nhamo avo vanovanzira Jehovha mano avo pakadzikadzika, vanoita mabasa avo murima vachifunga mumwoyo yavo kuti, “Ndiani anotiona? Ndiani achaziva?”