13 uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.
14 Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe dzichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
15 kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga richizova nyika yakaorera, nomunda wakaorera uchizova sesango.
16 Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.
17 Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.
18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare, mumisha yakachengetedzeka, munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
19 Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango, uye guta rikaparadzwa zvachose,