3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
5 Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi.
6 Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinorasa vanhu pamusoro paJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.
7 Nzira dzousina mano dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
8 Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
9 Imi vakadzi munoti mugere zvakanaka, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana vasina hanya, inzwai zvandinoreva!