1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva,
2 richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu.
3 Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera;
4 muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, nokuripira kutsvene achauya kuzokuponesai.”
5 Ipapo meso amapofu achasvinudzwa uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.
6 Ipapo akaremara achakwakuka senondo, uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. Mvura ichatubuka murenje, uye nehova dzemvura mugwenga.