1 Zvanzi naJehovha, “Denga ndicho chigaro changu, uye nyika chitsiko chetsoka dzangu. Ko, iripi imba yamungandivakira? Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
2 Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here, nokudaro zvikavapo?”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Munhu akadai ndiye wandichakudza: iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika, uye anodedera paanonzwa shoko rangu.
3 Asi ani naani anobayira hando anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa; ani naani anoita chipiriso chezviyo anofanana nomunhu anopa ropa renguruve, uye ani naani anopisira zvinonhuwira zvokurangaridza, anofanana nounonamata chifananidzo. Vakasarudza nzira dzavo, uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo;
4 naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera, uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya. Nokuti pandakadana, hapana akapindura pandakataura, hapana akateerera. Vakaita zvakaipa pamberi pangu vakasarudza zvakanga zvisingandifadzi.”