9 Vanhu vose vachariziva, Efuremu navagari vomuSamaria, ivo vanoti nokuzvikudza kwavo uye namanyawi emwoyo,
10 “Zvidhinha zvakoromokera pasi, asi tichavakazve namatombo; mionde yatemerwa pasi, asi tichaitsiva nemisidhari.”
11 Naizvozvo Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi akakurudzira vavengi vavo.
12 VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama.Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.
13 Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose.
14 Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe, zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe;
15 vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro, vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe.