20 Simudza meso ako uone avo vanobva nechokumusoro. Ko, boka ramakwai rawakapiwa kuti urichengete riripi, iwo makwai awaizvirumbidza nawo?
21 Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako avo vawakadzidzisa seshamwari dzako dzakasarudzika? Haungarwadziwi zvikuru here, somukadzi osununguka mwana?
22 Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti: “Sei izvi zvaitika kwandiri?”—zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji, kuti nguo dzako dzabvarurwa, uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka.
23 Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvowo imi hamungagoni kuita zvakanaka, imi makarovedzera kuita zvakaipa.
24 “Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa nemhepo yomugwenga.
25 Uyu ndiwo mugove wako, ndicho chikamu chandakakutemera,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“nokuti wakandikanganwa ukavimba navamwari venhema.
26 Ndichafukura nguo dzako pamberi pako, kuti kunyadziswa kwako kuonekwe,