18 Vatambudzi vangu ngavanyadziswe, asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndidzivirirei pakuvhunduswa. Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi; vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.
19 Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema.
20 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya.
21 Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema.
22 Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.
23 Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa.
24 Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro,