12 Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
13 Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.
14 Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?
15 Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari.
16 Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako.
17 Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira?
18 Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva Shihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi?