14 Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?
15 Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari.
16 Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako.
17 Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira?
18 Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva Shihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi?
19 Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.
20 “Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve.