29 “Nemhaka yeiko muchindipa mhosva? Imi mose makandimukira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
30 “Ndakaranga vana venyu pasina; havana kuteerera kurangwa. Munondo wenyu wakamedza vaprofita, kufanana neshumba inoparadza.
31 “Haiwa, imi vorudzi urwu, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israeri here kana nyika yerima guru? Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti, ‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’
32 Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here, nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini, mazuva asingaverengeki.
33 Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo! Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu.
34 Panguo dzako vanhu vanowanapo ropa ravarombo vasina mhaka, kunyange usina kuvabata vachipaza. Asi kunyange zvakadaro
35 unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’