4 ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino.
5 Ini ndimene ndicharwa newe noruoko rwakatambanudzwa noruoko rune simba mukutsamwa neshungu nehasha huru.
6 Ndicharova vanogara muguta rino, zvose vanhu nezvipfuwo, uye zvichafa nedenda rakaipisisa.
7 Shure kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichaisa Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake navanhu vari muguta rino vanopunyuka padenda, napamunondo, nepanzara, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Iye achavaisa kumunondo; haangavanzwiri urombo, kana ngoni, kana tsitsi.’
8 “Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu.
9 Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake.
10 Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’