1 Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vasara pakati pavatapwa, navaprista, navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa muutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema.
2 (Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.)
3 Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:
4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa muutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema,
5 “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.