1 “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume, murume uyu angadzokerazve kwaari here? Ko, nyika haingasvibiswi here? Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji, zvino ungadzokera kwandiri here?”ndizvo zvinotaura Jehovha.
2 “Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone. Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve? Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba, wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje. Wakasvibisa nyika noufeve hwako uye nezvakaipa zvako.
3 Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.
4 Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti, “Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,
5 muchagara makatsamwa here? Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’ Aya ndiwo matauriro ako, asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.
6 Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.
7 Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye munun'una wake Judha wokusatendeka akazviona.