1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,
2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza.
3 Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva muutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.’
4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha:
5 “Zvanzi naJehovha, ‘Takanzwa kuchema kunovhundusa nekwokutya, kwete kworugare.
6 Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe, nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi worwadziwa, zviso zvose zvachenuruka?