2 Zvanzi naJehovha, “Vanhu vakapukunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”
3 Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti, “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
4 Ndichakuvakazve, ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri. Uchatorazve matambureni ako ugoenda kundotamba navanofara.
5 Zvakare, muchasima minda yemizambiringa pamusoro pezvikomo zveSamaria; varimi vachaisima, vagofadzwa nezvibereko zvayo.
6 Pachava nezuva richadanidzira nharirire dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti, ‘Uyai, ngatikwirei kuZioni, kuna Jehovha Mwari wedu.’ ”
7 Zvanzi naJehovha, “Imbirai Jakobho nomufaro; pururudzirai mukuru wendudzi. Paridzai, rumbidzai, muchiti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsraeri.’
8 Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno.