1 Iri ndiro shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha pamazuva okutonga kwaJehoyakimi, mwanakomana waJosia mambo weJudha, richiti,
2 “Enda kumhuri yavaRekabhi undovakoka kuti vauye mune rimwe kamuri raparutivi rweimba yaJehovha ugovapa waini vanwe.”
3 Saka ndakaenda ndikandotora Jaazania mwanakomana waJeremia, mwanakomana waHabhazinia, nehama dzake uye navakomana vake vose, mhuri yose yavaRekabhi.
4 Ndakavapinza mumba maJehovha, mukamuri ravanakomana vaHanani mwanakomana waIgidharia munhu waMwari. Yakanga iri pedyo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro peyaMaaseya mwanakomana waSharumi, mutariri womukova.
5 Ipapo ndakagadzika hari dzizere newaini nemikombe pamberi pavarume vemhuri yavaRekabhi ndikati kwavari, “Inwai waini.”
6 Asi ivo vakapindura vakati, “Hatinwi waini, nokuti tateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akatipa murayiro uyu wokuti, ‘Imi kana vana venyu hamufaniri kunwa waini zvachose.
7 Zvakare, hamufaniri kutombovaka dzimba, kana kudyara mbeu kana kurima minda yemizambiringa; hamufaniri kuva nechimwe chezvinhu izvi, asi munofanira kugara mumatende nguva dzose. Ipapo muchararama mazuva akawanda munyika iyo yamuri vatorwa.’