5 Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.”
6 Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikija, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka.
7 Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini,
8 Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vakaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavakaita kumuprofita Jeremia.
9 Vakamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.”
10 Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo mundobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”
11 Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba.