2 kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”
3 Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema:“Zviundirei gombo idzva murege kudyara pakati peminzwa.
4 Zvidzingisirei kuna Jehovha, dzingisai mwoyo yenyu, imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema, kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, iko kupisa kusina angakudzima.
5 “Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti, ‘Ridzai hwamanda munyika yose!’ Danidzirai nesimba muchiti:‘Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’
6 Simudzai mureza wokuenda kuZioni! Tizai muvande musinganonoki! Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.”
7 Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo.
8 Naizvozvo pfekai masaga, chemai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunotyisa hakuna kubva kwatiri.