35 Ndichaisa magumo muMoabhu, kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira, uye vanopisira zvinonhuwira kuna vamwari vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
36 “Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu; unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti. Pfuma yavakawana yapera.
37 Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzakagurirwa; ruoko rumwe norumwe rwakagurwa, uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga.
38 Pamusoro pamatenga ose eMoabhu napazvivara hakuna chiriko kunze kwokuchema, nokuti ndaputsa Moabhu sedende risina anorida,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
39 “Akoromorwa sei! Vaungudza sei! Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa! Moabhu ava chinhu chinosekwa, chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.”
40 Zvanzi naJehovha, “Tarirai achabhururuka segondo, rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu.
41 Kerioti ichatapwa uye nhare dzichatorwa. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa.