6 “Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
7 Ani naani akavawana akavadya; vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’
8 “Tizai mubude muBhabhironi; siyai nyika yavaBhabhironi, mugoita sembudzi inotungamirira makwai.
9 Nokuti ndichamutsira Bhabhironi nokuisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro. Vachazvigadzirira kurwa naro, uye richakundwa kubva nechokumusoro. Miseve yavo ichava semhare pakurwa, dzisingadzoki dzisina chadzakabata.
10 Naizvozvo Bhabhironi richapambwa; vose vanoripamba vachawana mugove wavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11 “Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa, iyemi munopamba nhaka yangu, nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza,
12 mai venyu vachanyadziswa kwazvo; ivo vakakuberekai vachanyadziswa. Vachava mudiki pandudzi, renje, nenyika yakaoma, uye gwenga.