13 “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake.
14 Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; munhu waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
15 Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
16 Simba nokukunda ndezvake; akanyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
17 Anodzinga makurukota asina nguo nokuita kuti vatongi vave mapenzi.
18 Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo ndokusunga zviuno zvavo nomucheka.
19 Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.